Genesis 50

1Josefa akazviwisira pamusoro pababa vake akachema pamusoro pavo uye akavatsvoda. 2Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika, 3vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika mutumbi. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe.

4Mazuva okuchema akati apera, Josefa akati kune veimba yaFaro, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, nditaurireiwo kuna Faro. Mumuudze kuti, 5‘Baba vangu vakaita kuti ndipike mhiko uye vakati, “Ini ndava kufa; mundivige muguva randakazvicherera munyika yeKenani.” Zvino regai hangu ndikwidze ndinoviga baba vangu; ipapo ndigozodzoka hangu.’ ”

6Faro akati, “Kwira hako undoviga baba vako, sezvo vakaita kuti upikire kuita izvozvo.”

7Saka Josefa akakwidza kundoviga baba vake. Varanda vose vaFaro vakamuperekedza, vanokudzwa vomumba make navose vanokudzwa vomuIjipiti, 8tisingaverengi vose vomumhuri yaJosefa namadzikoma ake uye navose veimba yababa vake. Vana vavo chete namakwai avo nemombe dzavo, ndivo vakasiyiwa muGosheni. 9Ngoro navatasvi vamabhiza vakaendawo naye. Rakanga riri boka guru kwazvo.

10Vakati vasvika paburiro raAtadhi, pedyo neJorodhani, vakachema zvikuru neshungu; uye ipapo Josefa akatara mazuva manomwe okuchema baba vake. 11VaKenani vaigara ikoko vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, “VaIjipita vari pakuchema kukuru.” Ndokusaka nzvimbo iyo iri pedyo neJorodhani yakatumidzwa zita rokuti Abheri Miziraimi.

12Saka vanakomana vaJakobho vakaita sezvaakavarayira: 13Vakamutakura vakaenda naye kunyika yeKenani uye vakamuviga mubako mumunda weMakapera, pedyo neMamure, rakatengwa naAbhurahama senzvimbo yokuviga kubva kuna Efuroni muHiti, pamwe chete nomunda wacho. 14Shure kwokuvigwa kwababa vake, Josefa akadzokera kuIjipiti, pamwe chete namadzikoma ake navamwe vose vakanga vaenda naye kundoviga baba vake.

Josefa anosimbaradza hama dzake

15Madzikoma aJosefa akati aona kuti baba vavo vakanga vafa, vakati, “Zvimwe Josefa angadaro achiri kutivenga uye akatitsiva pane zvakaipa zvose zvatakaita kwaari?” 16Saka vakatuma shoko kwaari vakati, “Baba vako vakasiya varayira vasati vafa vachiti: 17‘Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna Josefa: Ndinokumbira kuti ukanganwire madzikoma ako zvivi zvavo nezvitadzo zvavakaita pavakakuitira zvakaipa kwazvo. Zvino ndapota kanganwira hako zvivi zvavaranda vaMwari wababa vako.’ ” Pakasvika shoko ravo kwaari, Josefa akachema.

18Ipapo madzikoma ake akauya akazviwisira pasi pamberi pake. Vakati, “Tiri varanda venyu.”

19Asi Josefa akati kwavari, “Musatya. Ko, ini ndiri pachinzvimbo chaMwari here? 20Imi makafunga kundiitira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuita zvakanaka kuti apedzise zviri kuitwa iye zvino, iko kuponeswa kwemweya mizhinji. 21Naizvozvo zvino, musatya. Ndichakuriritirai imi navana venyu.” Akavasimbaradza uye akataura nounyoro kwavari.

Kufa kwaJosefa

22Josefa akagara muIjipiti pamwe chete nemhuri yose yababa vake. Akararama kwamakore zana negumi, 23uye akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu. Uyewo vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaiswa pamakumbo aJosefa pavakaberekwa.

24Ipapo Josefa akati kumadzikoma ake, “Ini ndava kuzofa. Asi zvirokwazvo Mwari achakubatsirai nokukubudisai munyika muno achikuendesai kunyika yakavimbiswa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho.” 25Uye Josefa akaita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko uye akati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva munzvimbo ino.”

26Saka Josefa akafa ava namakore zana negumi. Uye shure kwokumusasika, akaiswa mubhokisi muIjipiti.

Copyright information for SnaBDSC